| Mwari anotida uye anotinzwira nyasha ndosaka akatitumira maporofita (vatumwa) kuti vatiratidze nzira yakarurama,

wokutanga akanga ari Adhamu, tevere Noa, Abrahama, Mosesi, Jesu uye muporofita wokupedzisira Mohammad.
Mwari anotumira vaprofita (nhume) kuti vatidzidzise manamatire atinofanira kuita. Uye muporofita wese akatumirwa kune rimwe boka revanhu
Mushure mekufa kwemuporofita uye vanhu vachirasisa nzira Mwari vatumire mumwe muprofita Zvichingoenda zvakadaro...

Vaporofita vese vaienderera mberi vachitumwa neshoko rimwe chete . kuti hakuna mwari akakodzera kunamatwa kunze kwaMwari Mumwe Wechokwadi, anozivikanwa muchiArab saAllah.

Muporofita wese aive nzira yekuna Mwari munguva yake. Abrahama naNowa vaive nzira kuvanhu vavo panguva yavo. Ndizvo zvakaita Jesu, Mosesi naMuhammad. | | |