1.Uchapupu hwekutenda ari kutaura nechivimbo, “La ilaha illa Allah, Muhammadur rasoolu Allah.” Ichi chirevo chinoreva: “Kuti hapana ane kodzero yekunamatwa kunze kwaAllah chete, uye kuti Allah havana shamwari kana mwanakomana. Uye kuti Muhammad ndiye mutumwa waMwari wekupedzisira. Uhwu uchapupu hwokutenda hunodanwa kuti Shahada, nzira iri nyore inofanira kutaurwa nechivimbo kuti munhu atendeukire kuIslam. Uchapupu hwekutenda ndiyo mbiru yakakosha yeIslam.