- Kutsanya mwedzi weRamadan
Gore negore mumwedzi waRamadan, vaMuslim vose vanotsanya kubva mambakwedza kusvikira zuva ranyura, vachirega zvokudya, zvokunwa, uye kurara nomumwe munhu.
Kunyange zvazvo kutsanya kuchibatsira kuutano, kunorangarirwa zvikurukuru senzira yokuzvinatsa nayo mumweya. Kupfurikidza nokuzvibvisa amene pazvinofadza zvenyika, kunyange kwenguva pfupi, munhu anotsanya anowana tsitsi dzechokwadi naavo vanoziya nenzara, pamwe chete nokukura muupenyu hwake hwomudzimu.