- Pilgrimage
Rwendo rwepagore (Hajj) kuenda kuMakkah chisungo kamwe chete muhupenyu kune avo vanokwanisa panyama nepamari kuzviita. Vanhu vanenge mamiriyoni maviri vanoenda kuMakka gore negore vachibva kumativi ose enyika.
Kunyange zvazvo Makka ichigara yakazara nevashanyi, Hajj yegore negore inoitwa mumwedzi wechigumi nembiri wekarenda yechiIslam.
Vafambi vechirume vanopfeka hanzu dzakapfava dzinobvisa misiyano yenzvimbo netsika kuitira kuti vese vamire vakaenzana pamberi paMwari.

MaPilgrim achinamata paHaram mosque muMakkah. Mumusikiti uyu mune Kaaba (chivako chitema chiri pamufananidzo) icho vaMuslim vanotendeukira kwachiri pakunyengetera. Kaaba inzvimbo yekunamatira iyo Mwari vakaraira Maporofita Abrahama nemwanakomana wake, Ishmaeri, kuti vavake