| 👉🏼Heino pfupiso yezvatinotenda maererano naJesu:
Jesu mumwe wevaporofita vakurusa muIslam, pamwe chete nevamwe vaporofita. Vese vaive vakakosha uye vese vaive vanhu sesu. Hapana nomumwe wavo anofanira kunamatwa . Tinongonamata Mwari wavatuma chete.
Tinotenda kuti Jesu aive Mutumwa waMwari anoremekedzwa asi asiri Mwari weumwari kana mwanakomana waMwari! Mwari haana vanakomana, hapana mhuri, Haabereki.
Tinoda Jesu uye tinoteerera dzidziso dzake dzechokwadi. Tinonamata saiye, tichitsanya saiye uye munhu haazorasikirwi naJesu kana akagamuchira Islam, asi anogadzirisa kutenda kwake maari. | | --- | | 4.Jesu haana kurovererwa. Akaponeswa uye akasimudzwa kuna Mwari, uye achadzoka panyika pedyo nekuguma kwenguva.
Tinotenda kuti Jesu haana kufira zvivi! Nokuti Mwari anongotiregerera kubva mutsitsi nenyasha dzake. Haadi mutengo kuti aregererwe, chingotendeuka ucharegererwa . Hapana munhu anofanira kufira zvivi zvedu. Tinongokumbira ruregerero uye anotiregerera. | | |
#منزلة_عيسى_فى_الإسلام